Romans 15

Gamuchirai vamwe sezvamakagamuchirwa naKristu

1Zvino isu tine simba tinofanira kutakura utera hwevasina simba, uye tisingazvifadzi isu. 2Naizvozvo umwe neumwe wedu ngaafadze umwe wake pane zvakanaka pakumuvaka. 3Nokuti naKristu haana kuzvifadza iye, asi, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Kutuka kwevakakutukai kwakawira pamusoro pangu. 4Nokuti zvese zvakagara zvanyorwa, zvakagara zvanyorerwa kudzidza kwedu, kuti nemoyo murefu uye nekunyaradza kwemagwaro tive netariro. 5Asi dai Mwari wemoyo murefu newenyaradzo apa kwamuri kuva nemoyo umwe pakati penyu maererano naKristu Jesu; 6kuti nemoyo umwe nemuromo umwe mukudze Mwari, ivo Baba vaIshe wedu Jesu Kristu. 7Naizvozvo gamuchiranai, Kristu sezvaakatigamuchirawo, ruve rukudzo rwaMwari. 8Zvino ndinoti, Jesu Kristu wakava muranda wedzingiso nekuda kwechokwadi chaMwari, kuti asimbise zvivimbiso zvemadzibaba; 9uye vahedheni vakudze Mwari nekuda kwetsitsi; sezvazvakanyorwa zvichinzi: Nekuda kweizvozvi ndichakureururai pakati pevahedheni, nekuimbira zita renyu rumbidzo. 10Uyezve anoti: Farai, vahedheni, pamwe nevanhu vake. 11Uyezve: Rumbidzai Ishe imwi vahedheni vese; mumukudzewo imwi vanhu vese. 12Uyezve Isaya anoti: Uchavapo mudzi waJese, neachasimukira kutonga vahedheni; vahedheni vachavimba kwaari. 13Daiwo Mwari wetariro akuzadzai nemufaro wese uye nerugare muchitenda, kuti muwedzere patariro, nesimba reMweya Mutsvene.

Vuapositori hwaPauro

14Zvino ini ndomene ndinozivisisa nezvenyu, hama dzangu, kuti nemwi pachenyu muzere nekunaka, makazadzwa neruzivo rwese, munogonawo kurairana. 15Asi, hama, ndinokunyorerai ndakatsunga zvikuru, neimwe nzira, ndichiita sendinokuyeuchidzai, nekuda kwenyasha dzandakapiwa naMwari, 16kuti ndive mushumiri waJesu Kristu kuvahedheni, ndichishumira evhangeri yaMwari, kuti chibairo chevahedheni chigamuchirike, chichiitwa chitsvene neMweya Mutsvene. 17Naizvozvo ndine kuzvikudza muna Kristu Jesu pazvinhu zvemaererano naMwari; 18nokuti handingashingi kutaura chero chinhu chaizvo Kristu zvaasina kuita kubudikidza neni, kuti vahedheni vateerereswe, neshoko uye nebasa, 19musimba rezviratidzo nezvishamiso, musimba reMweya waMwari; naizvozvo kubva paJerusarema nekwakapoteredza kusvikira Iririkumu ndakaparidza zvakazara evhangeri yaKristu; 20nokudaro ndakashingaira kuparidza evhangeri, kwete pakambodanwa Kristu, kuti ndirege kuvaka pamusoro penheyo dzeumwe; 21asi, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Vasina kuudzwa zvake, vachaona, nevasina kunzwa, vachanzwisisa. 22Nekuda kweizvozviwo ndakadzivirirwa kazhinji kuuya kwamuri; 23asi ikozvino zvandisisina nzvimbo pamatunhu awa, uye ndine chishuwo chikuru kwemakore mazhinji chekuuya kwamuri; 24saizvozvo kana ndichaenda kuSipania, ndichauya kwamuri; nokuti ndinovimba kukuonai parwendo rwangu, nekuperekedzwa nemwi ikoko, kana ndatanga ndambogutswa muchikamu ndinemwi. 25Asi ikozvinowo ndinoenda kuJerusarema, ndichishumira vatsvene. 26Nokuti zvakavafadza Makedhonia neAkaya kupa chimwe chipo varombo vevatsvene vari paJerusarema. 27Nokuti zvakavafadza, uye vane ngava navo. Nokuti kana vahedheni vakaisawo ruoko pazvinhu zvavo zvemweya, vane ngavawo rekuvashandira pazvinhu zvenyama. 28Naizvozvo kana ndapedza chinhu ichi, ndaisa mucherechedzo chibereko ichi kwavari, ndichabva ndiende kuSipania ndichipfuura nekwenyu. 29Uye ndinoziva kuti kana ndichiuya kwamuri ndichauya pakuzara kwemaropafadzo eevhangeri yaKristu. 30Zvino ndinokukumbirisai, hama, nekuda kwaIshe wedu Jesu Kristu, uye nekuda kwerudo rweMweya, kuti murwise pamwe neni paminyengetero kuna Mwari pamusoro pangu; 31kuti ndisunungurwe kune vasingatendi muJudhiya, uye kuti basa rangu reJerusarema rigamuchirike kuvatsvene; 32kuti ndiuye kwamuri nemufaro nechido chaMwari, ndivandudzwe pamwe nemwi. 33Zvino Mwari werugare ngaave nemwi mese. Ameni.

Copyright information for Shona